Ephesians 5

Kusiya mabasa enyama nekugara muchiedza

1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa; 2uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira. 3Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; 4neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. 5Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari. 6Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera. 7Naizvozvo regai kuva vagovani navo. 8Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza. 9Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi, 10muchiongorora zvinofadza kuna Ishe; 11uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo; 12nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura. 13Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza. 14Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera. 15Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera; 16muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa. 17Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe. 18Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya, 19muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe, 20muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, 21muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.

VaKristu mumba mavo

22Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe, 23nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri. 24Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese. 25Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo; 26kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko, 27kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa. 28Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye. 29Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke; 30nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake. 31Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe. 32Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke. 33Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.

Copyright information for Shona